Job 33

1“Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu;
rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.
2Ndava kuchizoshamisa muromo wangu;
mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.
3Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama;
muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.
4Mweya waMwari wakandiita;
kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.
5Ndipindure zvino, kana uchigona;
zvigadzirire ugomisidzana neni.
6Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari;
neniwo ndakatorwa muvhu.
7Kutyisa kwangu hakufaniri kukuvhundutsa,
uye ruoko rwangu harufaniri kukuremera.

8“Asi wakati ini ndichizvinzwa,
ndakanzwa mashoko acho chaiwo,
9‘Ndakachena uye handina chivi;
ndakanaka uye handina mhosva.
10Asi Mwari awana mhosva neni;
anonditi muvengi wake.
11Anosunga makumbo angu nezvisungo;
anocherechedza nzira dzangu dzose.’

12“Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama,
nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.
13Seiko uchimunyunyutira
kuti haasi kupindura mashoko omunhu?
14Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira,
pane imwe nguva neimwe nzira,
kunyange munhu asingazvioni.
15Mukurota, uye muchiratidzo chousiku,
hope huru padzinowira vanhu,
pavanotsimwaira pamibhedha yavo,
16angangotaura munzeve dzavo uye
agovavhundutsa neyambiro zhinji,
17kuti adzore munhu pakuita zvakaipa,
uye nokuita kuti arege kuzvikudza,
18kuti achengetedze mweya wake pagomba,
uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa,
achiramba achitambudzika mumapfupa ake,
20saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya,
uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.
21Anoonda kusvikira apera,
uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.
22Mweya wake unoswedera kugomba,
uye upenyu hwake kunhume dzorufu.

23“Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri,
mumwe kubva muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,
24kuti amunzwire tsitsi agoti,
‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba;
ndamuwanira dzikinuro,’
25ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana;
inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.
26Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari,
anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro;
anodzoserwazve kururama kwake naMwari.
27Ipapo anosvika kuvanhu agoti,
‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama,
asi handina kuwana zvaindikodzera.
28Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba,
uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’

29“Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu,
kaviri, kunyange katatu,
30kudzora mweya wake pakupinda mugomba,
kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.

31“Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri;
nyarara, uye ini ndichataura.
32Kana unacho chokureva, ndipindure;
taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.
33Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri;
nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”
Copyright information for SnaBDSC